
Kudzora njodzi ndicho chakavanzika chekubudirira kwenguva refu mukutengeserana. Pasina izvozvo, kunyange mazano akanakisisa anogona kuparara. Apa ndipo panopindira chiratidzi cheAverage True Range (ATR) kubva pazviratidzi zvehunyanzvi. Ichi chiyero chakavimbika chekuchinja-chinja kwemusika, chinokubatsirai kufambisa kuchinja kwemitengo nechivimbo.
Chii chinonzi Average True Range (ATR)?
Fungai nezveATR semudziyo wenyu wekuona mamiriro emusika. Chiratidzi ichi chakagadzirwa naVaJ. Welles Wilder Jr., hachifanoteerere kunoenda mutengo. Chinongoyera kuti aset inofamba zvakadii, angave ari masheya, mari dzekunze, Commodities, kana Derived Indices. Kufamba kwakawanda here? ATR yepamusoro. Musika wakadzikama here? ATR yepasi. Zviri nyore, handizvo here? Chinochinjika zvichienderana nemamiriro akasiyana emusika, zvichiita kuti chive chishandiso chikuru chekudzora njodzi.
Chikonzero nei vatengesi vachida ATR
Vatengesi vanoshandisa ATR zvikuru nezvikonzero zviviri zvikuru:
- Kuyera hukuru hwekutengeserana (Position sizing): ATR inokubatsirai kugadzirisa hukuru hwekutengeserana kwenyu zvichienderana nekuti musika uri kuchinja-chinja zvakadii. Kuchinja-chinja kwakawanda here? Deredzai hukuru hwekutengeserana kwenyu mumisika iri kuchinja-chinja. Mumamiriro akadzikama, munogona kufunga nezvekuhuwedzera zvishoma.
- Mazinga eStop Loss neTake Profit akangwara: ATR inokubatsirai kudzivirira kubudiswa mukutengeserana nekukasika kuburikidza nekuisa zvinangwa zvemitengo zvechokwadi zvinoenderana nekuchinja-chinja kwemusika.
Mashandisirwo eATR pamapuratifomu ekutengeserana eDeriv
Mashoko akanaka! Hamufanire kunetseka nekuverenga manhamba. Mapuratifomu emaCFD eDeriv anokubatsirai kuverenga ATR otomatiki. Chiwedzerei pachati yenyu kuti mutange kuchishandisa muzano renyu rekudzora njodzi.
Kana muchida kuziva masvomhu ari shure kwayo, ATR inowanikwa nekutora nhamba huru pakati pe:
- Mutengo wepamusoro wazvino kubvisa mutengo wepasi wazvino
- Hukoshi chaihwo hwemutengo wepamusoro wazvino kubvisa mutengo wekuvhara wapfuura
- Hukoshi chaihwo hwemutengo wepasi wazvino kubvisa mutengo wekuvhara wapfuura
Ipapo, zvinotorwa avhareji yazvo panguva yakatarwa (kazhinji mazuva 14). Nguva yakareba inotsetseka mutsetse asi inononoka kupindura mukuchinja kwekukasika.

Kushandisa ATR pakudzora njodzi
Kuisa Stop Loss neTake Profit senyanzvi
ATR inokubatsirai kuisa mazinga akangwara eStop Loss neTake Profit. Kana ATS yeVolatility 25 Index iri $8.5 uye kupinda kwenyu kuri pa$100:
- Munogona kuisa Stop Loss yenyu zvakapetwa kaviri neATR ($83)
- Uye Take Profit yenyu zvakapetwa katatu neATR ($125.50)
Kana kuchinja-chinja kwemusika kwakakwira, kuisa Stop Loss nezvinangwa kure kunoita kuti kutengeserana kwenyu kuve nemukana wakakura wekufema.
Kuyera hukuru hwekutengeserana kwaitwa nyore
ATR yakanakawo pakusarudza kuti kutengeserana kwenyu kunofanira kuva kukuru zvakadii. Mutemo unozivikanwa? Isai panjodzi chikamu chimwe chete cheATR pakutengeserana kwega kwega. Saka, kana ATR iri $8.5, munenge muchiisa panjodzi mari isingapfuuri $8.5 pakutengeserana ikoko. Izvi zvinochengetedza njodzi yenyu yakadzorwa muchiramba muchifambirana nekufamba kwechisikigo kwemusika.
Zvinhu zvishoma zvekuyeuka
ATR inobatsira, asi kungofanana nechero chiratidzi chipi zvacho, ine painogumira. Hechino chikonzero:
- Chiratidzi chinotevera zvakaitika (lagging indicator): ATR inotarisa kufamba kwemitengo kwakapfuura, saka haifanoteerere ramangwana, inongokubatsirai kurigadzirira.
- Inoshanda zvakanakisisa nezmwe zvishandiso: Hapana chiratidzi chimwe chete chinogona kuita zvese. Batanidzai ATR nekuongorora kwehunyanzvi uye kwezvikonzero zvemusika kuti muite sarudzo dzekutengeserana dzakangwara.
ATR yakafanana nemubatsiri akavimbika pakudzora njodzi. Haifanoteerere ramangwana, asi inokupai yambiro yakasimba pamusoro pemamiriro emusika. Musati maishandisa mukutengeserana chaiko, dzidzirai kushandisa ATR muakaundi yedemo yeDeriv kuti muone kuti inotsigira sei sarudzo dzenyu dzekutengeserana.
Makagadzirira kutengeserana nechivimbo chakawedzerwa here?
Quiz
Kana chiyero cheATR chikakwira zvikuru kamwe kamwe, izvi zvinorevei?


