Endesai kuzvinyorwa zvikuru

Akaundi yenyu. Iri mumaoko menyu.

Ongororai matanho anoshanda ekuchengetedza akaundi yenyu yeDeriv neruzivo rwenyu pachenyu.

✓
Akaundi yenyu. Yakachengetedzwa.

Pane zviri kukunyumwisai here?

Kana muchifungidzira kuti mumwe munhu ane mukana wekupinda muakaundi yenyu, kana kuti muchinetseka kuisa 2FA, tibatei palive chat kana paWhatsApp. Tiri pano 24/7.

Mibvunzo inowanzobvunzwa nezvekuchengetedzwa kweakaundi

2FA inowedzera nhanho yechipiri pakupinda kwenyu: kodhi ine manhamba 6 inobva paauthenticator app iri pafoni yenyu. Inobatsira kudzivirira akaundi yenyu kana mumwe munhu akawana password yenyu.

Dhaunirodhai authenticator app, mozoenda kuZvirongwa zveakaundi > Chengetedzo > Two-factor authentication muakaundi yenyu yeDeriv, mosikana QR code. Isai kodhi ine manhamba 6 inobva muapp yenyu kuti mupedze. Tarisai mirairo yenhanho nenhanho.

Taurai nesu palive chat kana paWhatsApp kuti muwane rubatsiro. Chikwata chedu hachife chakakumbira password yenyu kana kodhi ye2FA.

Taurai nesu pakarepo kuburikidza nelive chat pawebhusaiti yedu kana paWhatsApp. Kana muchiri kugona kupinda muakaundi yenyu yeDeriv, pindai uye shandurai password yenyu, batidzai 2FA kana isati yatobatidzwa, uye chengetedzai akaundi yenyu yeimeyili. Garai muchivhura Deriv nekutaipa home.deriv.com imi pachenyu, kwete kuburikidza nelink iri mumeseji.

Tarisai kero yakazara yemunhu atumira, kwete zita riri kuratidzwa chete, uye muone izvo meseji yacho iri kukukumbirai kuti muite. Kana ichikumbira kodhi kana password, kana kukumanikidzai kuti muite nekukasika, itarisei seiri kufungirwa kuve yenhema.

‍

Kana musina chokwadi, batai Deriv kuburikidza newebhusaiti yedu yepamutemo mukumbire vebazi rekubatsira kuti vaone chokwadi chemeseji yacho. Dzidzai maonero amungaita mameseji anofungirwa kuve enhema.

Kwete. Musagovere sikirini yenyu kana kubvumidza chero munhu anoti ari kukubatsirai neakaundi kuti ashandise mudziyo wenyu ari kure. Musaise mifananidzo yesikirini yekuisa mari, kubvisa mari, kana yeakaundi pachena paruzhinji, kunyange kana kubhadhara kwanonoka, nekuti matsotsi anogarotarisa zvinhu izvi zvinenge zvaiswa pachena. Taurai nesu kuburikidza newebhusaiti yedu yepamutemo panzvimbo pekuzviisa pasocial media kana panzvimbo dzeruzhinji. Dzidzai maitiro ekuchengetedza makodhi nemasikirini enyu zvakavanzika.

WhatsApp