
Kutengeserana mari yeCrypto kwanga kuchikura zvikuru mumakore apfuura, kuchipa vatengeserani rusununguko, chengetedzo, nemikana inofadza. Asi kune avo vasati vatanga, pfungwa dzisiri dzechokwadi dzinogona kuita kuti zviite sezvakaoma kana kuti hazvikwanisike. Ngatijekesei chokwadi tibudise pachena pfungwa nhatu dzisiri dzechokwadi dzinonyanya kutaurwa pamusoro pekutengeserana nemari yeCrypto!
Pfungwa isiri yechokwadi 1: Kuva nemari yeCrypto kunodhura
Kwete zvachose! Kunyangwe mutengo weBitcoin unogona kuita seunotyisa, hamufanirwe kutenga Bitcoin yese kuti mutange. Munogona kuva nezvidimbu zvayo zvidiki zvinonzi satoshis. Semuenzaniso, paDeriv, mari shoma yekutengeserana yeBitcoin inongova 0.0001 BTC chete, iyo panguva ino inokosha zviri pasi pe$5!
Uyezve, pane imwe nzira yekutengeserana mari yeCrypto pasina kuburitsa mari yakawanda pakutanga, iyo inoshandisa Leverage pakutengeserana nemaCFD. Izvi zvinokubvumidzai kuvhura zvinzvimbo zvihombe nemari shoma yekutanga nayo, zvichiita kuti kutengeserana mari yeCrypto kuwanikwe nyore kupfuura zvamunofunga.
Pfungwa isiri yechokwadi 2: Muchafanira kudzidzira musika mutsva zvachose
Munofunga kuti mari yeCrypto inyika yakasiyana zvachose here? Kwete hazvo! Kana muchitoziva kutengeserana Forex, masheya, kana mimwe misika, mari yeCrypto chingori chimwe chikamu chezvinhu zvekutengeserana chamunogona kuwedzera pamazano enyu.
Maitiro acho akafanana: Sarudzai musika wenyu, sarudzai mhando yekutengeserana kwenyu, uye dzorai njodzi yenyu. Munotogona kushandisa mari dzeCrypto kutengeserana mimwe misika yakaita seForex kana Synthetic Indices. Saka, hamusi kudzidzira mutambo mutsva zvachose. Muri kungowedzera chimwe chishandiso pamazano enyu ekutengeserana.
Pfungwa isiri yechokwadi 3: Nzira chete yekuwana nayo imwe mari yeCrypto kuitenga
Kutenga mari yeCrypto inongova imwe nzira yekuva nayo, asi haisi iyo nzira chete. Kana mukatengeserana nemari yeCrypto pamisika yakaita seForex kana Synthetic Indices mopihwa mari yamunowana, munenge muchiwedzera mari yasara yenyu yeCrypto.
Zvakafanana nekuwana mari mumari yeFiat. Musiyano chete panguva ino ndechekuti, purofiti yenyu iri mumari yeCrypto. Nekuita kutengeserana kwakachenjera, munogona kukudza huwandu hwemari yeCrypto yamuinayo pasina kutenga imwe.
Ongororai kutengeserana mari yeCrypto neakaundi yedemo yemahara yeDeriv
Mari dzeCrypto dziri kushandura matengeseranire atinoita, dzichipa mikana mitsva inopfuura mari dzeFiat dzagara dziriko. Nekunzwisisa chokwadi chiri seri kwepfungwa dzisiri dzechokwadi idzi, munogona kuongorora kutengeserana mari yeCrypto nechivimbo uye nemaonero matsva.
Tarisai mhando dzese dzemari dzeCrypto dziripo pakutengeserana paDeriv, uye vhurai akaundi yekutengeserana yekudzidzira yemahara nhasi!
Quiz
Chiyero chidiki-diki cheBitcoin chinonzi chii?


