Endesai kuzvinyorwa zvikuru

Commodities dzakarerutswa: Gwara revatangi

5
maminiti ekuverenga
Mifananidzo yakaita seNeon yegoridhe, mafuta, gorosi, nekofi yakaratidzwa pamagirazi akatsveyama, ichimiririra mhando dzakasiyana dzeCommodities dzinotengeserana.

Commodities ndidzo mbishi dzinoita kuti pasirose parambe pachifamba-kubva pakofi iri mukapu yenyu kusvika pagoridhe riri muzvishongo zvenyu. Dzakave dzichitengeserana kwemazana emakore, kubvira kumazuva eSilk Road, uye nhasi dzinoramba dziri chikamu chikuru chehupfumi hwepasirose. Pakati padzo chaipo, mitengo yeCommodities inotsamira pamutemo mumwe chete uri nyore: kuwanikwa kwezvinhu nekudiwa kwazvo.

Kana kudiwa kwezvinhu kwakakwira uye kuwanikwa kwazvo kwakaderera, mitengo inokwira zvikuru. Kana zvakapesana neizvozvo zvikaitika, mitengo inodonha. Zviri nyore kudaro!


Mhando mbiri dzeCommodities

Hard commodities Soft commodities
Simbi Simba remagetsi nemafuta Zvekurima Zvipfuwo nenyama
Goridhe Mafuta asina kunatswa (Crude oil) Soyabhinzi Mombe mhenyu
Sirivha Gasi rechisikigo Kofi Nguruve dzisina mafuta akawanda
Mhangura (Copper) Peturu Zviyo Mukaka
Platinum Donje
* Rondedzero iri pamusoro inongoratidza mienzaniso mishoma chete. Muchokwadi, boka rega rega rakaumbwa nezvimwe zvigadzirwa zvakawanda.

‍

Commodities dzinouya nemhando mbiri huru:

  • Hard commodities. Izvi zviwanikwa zvechisikigo zvinocherwa kana kuburitswa muvhu, semafuta, goridhe, nesimbi.
    ‍
  • Soft commodities. Izvi zvinosanganisira zvigadzirwa zvekurima segorosi, kofi, neshuga.

Dzimwe dzeCommodities dzine mukurumbira zvikuru munyika yekutengeserana dzinosanganisira mafuta (kunyanya WTI neBrent crude) negoridhe, iro rave riri sarudzo huru yevatengeserani pese apo hupfumi hunenge husina kugadzikana.

‍

Maitiro ekuvandudza unyanzvi pakutengeserana Commodities

Muri kutsvaga kuvandudza unyanzvi hwenyu hwekutengeserana Commodities here? Heano matanho mashoma akakosha:

  • Nzwisisai zvinoita kuti mitengo ishanduke
    Mafambiro ehupfumi, zviitiko zvezvematongerwo enyika, uye kunyange njodzi dzinongoitika dzoga zvinogona kuzunza mitengo yeCommodities. Semuenzaniso, dutu guru rinogona kukanganisa kugadzirwa kwemafuta, zvichiita kuti mitengo ikwire zvikuru.ogara muchitarisa nhau dzepasirose zvinogona kukupai mukana uri nani.
    ‍
  • Shandisai ongororo yemusika
    Vatengeserani vanovimba nemhando mbiri huru dzeongororo:
    • Fundamental analysis (kutarisa kuwanikwa kwezvinhu, kudiwa kwazvo, uye mamiriro ehupfumi)
    • Technical analysis (kushandisa nhoroondo yemitengo yekare kuona mafambiro ayo)
    Kusanganisa zviviri izvi kunogona kukubatsirai kuita kutengeserana kune hungwaru.
    ‍
  • Teverai mafambiro emusika
    Commodities dzinofamba nemafambiro akati twasa (trends), ingave mudenga (bullish) kana pasi (bearish). Kuona mafambiro aya kuchiri kuseni kunogona kukubatsirai kutengeserana panguva yakakodzera.

‍

Maitiro ekutengeserana Commodities paDeriv

Hamufanire kuve nemadhiramu emafuta kana zvidhinha zvegoridhe kuti mutengeserane Commodities. Panzvimbo pezvo, munogona kudziitira kutengeserana muchishandisa CFDs (Contracts for Difference) kana Options paDeriv. Heano maitiro acho:

‍

Kutengeserana maCFD paDeriv

Tengeseranai Commodities pamapuratifomu akaita seDeriv MT5, Deriv cTrader, neDeriv X nemaCFD, ayo anokubvumirai kuita izvi:

  • Kutenga (Go long) kana muchifunga kuti mitengo ichakwira.
    ‍
  • Kutengesa (Go short) kana muchitarisira kuti mitengo ichaderera.

Kutengeserana kwenyu kunoramba kwakavhurika kwenguva yamunoda zvichikupai masimba akawanda pamusoro pezvirongwa zvenyu zvekutengeserana.

‍

Kutengeserana Options paDeriv

Kana muchifarira njodzi yakarongwa zvakanaka, edzai digital options pasimbi muchishandisa zvibvumirano zveRise/Fall, Higher/Lower, kana Touch/No Touch. Izvi zvinokubvumirai kufanotaura mafambiro emitengo mukati menguva yakatarwa.

  • Rise/Fall. Fanotaurai kana mutengo uchapedzisira wakakwira kana wakaderera pane pamaupinda.
    ‍
  • Higher/Lower. Isai mutengo wamunonangisa (barrier) mofanotaura kana musika uchapedza uri pamusoro kana pazasi pawo.
    ‍
  • Touch/No Touch. Fanotaurai kana musika uchasvika pamutengo wakatarwa.

NeOptions, muchaziva purofiti kana kurasikirwa kwamunogona kusangana nako musati mapinda mukutengeserana-zvichiita kuti kudzora njodzi kuve nyore.

‍

Makagadzirira kutanga kutengeserana Commodities here?

Kutengeserana Commodities kunonakidza nekuti mitengo inopindura kuzviitiko zvepasi chairo, ichipa zvose mikana nenjodzi. Chinokosha kuti mubudirire chii? Rambai muchidzidza, ivai vanochinjika nemamiriro ezvinhu, uye tengeseranai nehungwaru.

‍

Quiz

Ndeipi commodity inowanzodaidzwa kunzi “goridhe dema”?

Mibvunzo inowanzobvunzwa

Analyse markets with AI-powered insights

Explore TradersView
WhatsApp