Endesai kuzvinyorwa zvikuru

Kunzwisisa Forex swaps: Kuwana mari makarara here?

5
maminiti ekuverenga
Chiyero chemaawa 24 chakaita denderedzwa chakakamurwa kuita zvikamu zvitsvuku nezvebhuruu, chinomiririra kushanda kunoita Forex swaps nekufamba kwenguva pakutengeserana.

Mava kunyatsoziva nheyo dzekutengeserana Forex, asi heuno mubvunzo: chii chinoitika kana mukasiya kutengeserana kwakavhurika usiku hwose? Musika weForex unotengeserana nguva dzose; kunyangwe imi musiri kutengeserana.

Apa ndipo panopinda Swaps.

‍

Chii chinonzi Swaps?

Fungai nezveSwaps semubereko unobhadharwa kana kutambirwa munyika yeForex. Kana muchitengeserana mapeya emari, munenge muchitokwereta imwe mari kuti mutenge imwe. Uye sekukwereta kwese, pane mubereko unenge uripo. Zvinoenderana nekutengeserana kwenyu, Swaps dzinogona kuwedzera pundutso yenyu kana kuidzikisa usiku hwose.

‍

Kuwana mubereko uye kubhadhara Swaps

Kuti munowana here kana kubhadhara mubereko (Swaps) zvinoenderana nezvinhu zvishoma zvakakosha:

  • Miyero yemubereko: Mari imwe neimwe ine mwero wemubereko unotarwa nebhanga guru renyika yacho. Kana musiyano wacho ukakura, ndipo paunonyanya kukanganisawo Swaps.
    ‍
  • Position yenyu: Kana mukatenga mari ine mwero wemubereko wakakwira kudarika yamuri kutengesa, munogona kuwana mubereko. Asi kana muri kudivi risiri iro remusiyano wemwero wemubereko, munogona kuzobhadhara mubereko pachinzvimbo chekuuwana.
    ‍

Muenzaniso: Kushanda kunoita Swaps paEUR/USD

Fungidzirai kuti muri kutengeserana Euro (EUR) neUS Dollar (USD):

  • Muenzaniso 1: Mwero wemubereko weEuro wakakwira
    • Kutenga EUR/USD: Muri kukwereta USD (mubereko wakaderera) kuti mutenge EUR (mubereko wakakwira). Munogona kuwana mubereko usiku hwose.
    • Kutengesa EUR/USD: Muri kukwereta EUR (mubereko wakakwira) muchichengeta USD (mubereko wakaderera). Munogona kuzobhadhara mubereko.

‍

  • Muenzaniso 2: Mwero wemubereko weUS Dollar wakakwira
    • Kutenga EUR/USD: Muri kukwereta USD ine mubereko wakakwira kuti mutenge EUR ine mubereko wakaderera. Munogona kuzobhadhara mubereko.
    • Kutengesa EUR/USD: Muri kukwereta maEuro (mubereko wakaderera) muchichengeta maDollar (mubereko wakakwira). Munogona kuwana mubereko usiku hwose.

      ‍

Miripo yeSwap yakakura zvakadii?

Miripo yeSwap kana mari yamunowana haisi yakawandisa pakutengeserana kumwe chete, asi inogona kuwanda nekufamba kwenguva. Huwandu hwacho chaizvo hunoenderana neizvi:

  • Musiyano wemwero wemubereko uri pakati pemari mbiri idzi.
    ‍
  • Hukuru hwekutengeserana kwenyu (kutengeserana kukuru kunoreva Swaps hombe).

Nguva yamunochengeta position yenyu (kana mukaichengeta kwenguva yakareba, Swaps dzinowedzerawo kushanda).
‍

Mazano ekushandisa Swaps nemazvo

Munoda kuita kuti Swaps dzikushandirei pane kukudzosai shure here? Hezvinoi zvamungaita:

  • Sarudzai mapeya emari enyu nemazvo. Sarudzai mapeya ane musiyano wemwero wemubereko unokubatsirai.
    ‍
  • Rambai muchiziva mitemo yemabhanga makuru enyika. Miyero yemubereko inoshanduka, saka rambai muchitarisa nhau dzinogona kukanganisa Swaps.
    ‍
  • Fungai nezvekushandisa zano recarry trade. Vamwe vatengesi vanonyatsosarudza kutengeserana kuti vawane pundutso kubva muSwaps nekufamba kwenguva.

Swaps chikamu chakajairika chekutengeserana Forex. Asi kana mukadzinzwisisa, munogona kudzishandisa kuti dzikubatsirei. Nezano rakakodzera, Swaps dzinogona kubatsira kuunza pundutso usiku hwose.

Munoda kudzidza zvimwe here? Endai kuDeriv Academy kuti muwane zvidzidzo zvakadzama zveForex, kana kuedza mazano enyu paakaundi yedemo musati matanga kutengeserana nemari chaiyo.

Quiz

Ndechipi chiitiko chinogona kukuwanisai mubereko husiku humwe?

Mibvunzo inowanzobvunzwa

Analyse markets with AI-powered insights

Explore TradersView
WhatsApp