Endesai kuzvinyorwa zvikuru

Ndezvipi zvinhu zveupfumi zvinokanganisa musika weForex?

5
maminiti ekuverenga
Pasi rinopenya rine zviratidzo zvinotenderera zvegirafu, chiratidzo cheEuro, bhegi rebasa, nechiratidzo chepurosendi, zvichimiririra zvinhu zveupfumi pakutengeserana kweForex.

Sei nhamba dzeupfumi dzakakosha

Kana muri vatsva pakutengeserana kweForex, munogona kubvunza kuti sei vatengesi vane ruzivo vachinyatsotevedzera makarenda eupfumi pamwe nekubudiswa kwenhau. Chikonzero chacho chiri nyore: mari dzinomiririra upfumi hwenyika, uye nhamba dzeupfumi dzinotitaurira mashandiro ari kuita upfumi ihwohwo. Torai zviratidzo zveupfumi semidziyo yekuongorora inoyera kusimba kweupfumi. Zvinobatsira vatengesi kufanotaura kuti ndeipi mari ingangosimba kana kupera simba.

‍

Zviratidzo zvikuru zveupfumi zvinokanganisa misika yeForex

Gross domestic product (GDP)

GDP inoyera zvese zvinogadzirwa nenyika, kubva pazvinhu kusvika kumasevhisi. GDP inenge ichikwira inowanzosimbisa mari yenyika, ukuwo GDP inenge ichiderera ichigona kuidzikisira simba. Semuenzaniso, kana GDP yeUK ikapfuura zvanga zvichitarisirwa, pondo yeBritain inogona kukwira kana ichienzaniswa nedzimwe mari.


Nhamba dzemusika wemabasa

Nhamba dzemabasa dzinowanzokanganisa zvikuru kukosha kwemari. MuUS, zviratidzo zvikuru zvemabasa zvinosanganisira:

  • Huwandu hwevanhu vasina mabasa. Chikamu chevanhu vasina mabasa pane avo vanokwanisa kushanda.
    ‍
  • Avhareji yemari inotambirwa paawa. Chiyero chekukura kwemihoro, izvo zvinokanganisa mashandisirwo emari nevatengi.
    ‍
  • Non-farm payrolls (NFP). Huwandu hwemabasa matsva akawedzerwa, tisingaverengi mabasa ekurima.

Mishumo yemabasa iri nani kupfuura zvanga zvichitarisirwa inowanzosimudzira kukosha kwemari, ukuwo nhamba dziri pasi dzichigona kukonzera kudzikira.


Mitero yemubereko nematanho emaCentral Bank

MaCentral bank, akadai seFederal Reserve, European Central Bank, kana Bank of England, anotara mitero yemubereko, iyo inokanganisa kukosha kwemari. Mitero yepamusoro inowanzokwezva vadyari vemari vekunze, zvichisimbisa mari yenyika yacho.

‍‍

Zvinhu zvikuru zvekutarisa:

  • Danho chairo remubereko richienzaniswa nezvinotarisirwa nemusika.
    ‍
  • utungamiri hwenguva yemberi (zviratidzo pamusoro pekuchinja kwemubereko mune ramangwana).
    ‍
  • Matauriro ezviziviso zvinoperekedza danho racho (hawkish = mukana wekukwidza mubereko, dovish = mukana wekuderedza mubereko).


Zviyero zveInflation

Inflation inoita basa guru pamatanho emitero yemubereko. Consumer Price Index (CPI) inotevedzera kuchinja kwemitengo nekufamba kwenguva. MaCentral bank anowanzovavarira kuti Inflation igare iri panenge pa2%. Inflation yepamusoro inogona kukonzera kukwidzwa kwemitero yemubereko, zvichisimbisa mari yenyika, ukuwo Inflation yakaderera ichigona kukonzera kuderedzwa kwemitero.


Chiyero chekutengeserana kwenyika

Chiyero ichi chinoenzanisa zvinhu zvinotengeswa nenyika kunze nezvainotenga kubva kunze:

  • Trade surplus (kutengesa zvakawanda kunze kupfuura zvinotengwa kubva kunze) → Inosimbisa mari yenyika.
  • Trade deficit (kutenga zvakawanda kubva kunze kupfuura zvinotengeswa kunze) → Inodzikisira simba remari yenyika.

    ‍

Mafambisirwo anoitwa musika nenhau

Zviziviso zveCentral bank

Izvi ndezvimwe zvezvinhu zvikuru zvinofambisa musika. Misika inopindura kune izvi:

  • Kuchinja kwemitero yemubereko.
    ‍
  • Zviziviso zvehurongwa hwekutenga maBond.
    ‍
  • Kuchinja kwefungidziro dzeupfumi.
    ‍
  • Zviziviso zvemitemo.

Kunyangwe kuchinja kudiki kwemashoko kunogona kukonzera kufamba kukuru kwemitengo yemari.


Kubudiswa kwenhamba dzeupfumi

  • Nhamba dziri nani kupfuura zvanga zvichitarisirwa → Dzinowanzosimbisa mari yenyika.
    ‍
  • Nhamba dziri pasi kupfuura zvanga zvichitarisirwa → Dzinowanzodzikisira simba remari yenyika.
    ‍
  • Kana zvabuda zvichishamisa zvikuru, musika unofambawo zvikuru.

    ‍

‍Zviitiko zvezvematongerwo enyika nezvepasi rose

Zviitiko zvikuru zvezvematongerwo enyika zvinogona kuva nemhedzisiro yenguva refu pamisika yemari:

  • Sarudzo
    ‍
  • MaReferendum akaita seBrexit
    ‍
  • Zvibvumirano kana makakatanwa ekutengeserana
    ‍
  • Makakatanwa epasi rose


Kudzora njodzi panguva yezviziviso zveupfumi

Kushandisa karenda yeupfumi

  • Ongororai karenda mazuva ese, muchicherechedza chiyero chesimba rechiitiko chega chega (chepamusoro, chepakati nepakati, kana chepasi).
  • Enzanisai nhamba dzakapfuura nefungidziro.
    ‍
  • Tarisirai panobudiswa nhau dzakakosha dzakatevedzana.


Kudzora njodzi panguva yezviitiko zvenhau

Kuchinja-chinja kwemusika kunowedzera panguva yezviitiko zvikuru zvenhau. Spreads dzinowanzokura, uye kuchinja kwemitengo kunogona kusafanozivikanwa. Fungai nezvemazano aya:

  • Dzivikai kutengeserana panguva yezviitiko zvenhau zvine simba guru kunze kwekunge zano renyu rakagadzirirwa kuchinja-chinja kwakanyanya.
    ‍
  • Wedzerai Stop Loss yenyu kudzivirira kuburitswa paStop Out nekukurumidza.
    ‍
  • Deredzai ukuru hwemaPosition kuti mudzore njodzi.


Mazano anowanzoshandiswa pakutengeserana nenhau

Zano Maitiro
Mirai Muone Regai kuchinja-chinja kwemusika kudzikame musati mapinda mukutengeserana.
Kutengeserana Kwakarongwa Rongai kutengeserana kwenyu zvichienderana nekubudiswa kwenhamba dzeupfumi dzinozivikanwa, muchishandisa nzvimbo dzekupinda nekubuda.
Kutengeserana kweBreakout Pindai apo mitengo inopfuura pamiganho yakakosha mushure mekubudiswa kwenhau.

‍

Zvinhu zvakakosha zvekufunga nezvazvo pakutengeserana Forex

  • Zviratidzo zveupfumi zvakasiyana zvine mhedzisiro dzakasiyana pamari.
    ‍
  • Mapinduriro emusika anosiyana zvichienderana nemamiriro eupfumi.
    ‍
  • Kubudiswa kwenhamba dzakawanda panguva imwe kunogona kuunza zviratidzo zvinopokana.
    ‍
  • Mapinduriro emusika haasi nguva dzese ane musoro kana kuti anofanozivikanwa.
    ‍
  • Mapinduriro akamboitika kare haavimbisi mafambiro akafanana mune ramangwana.


Kutanga kushandisa zviratidzo zveupfumi zveForex

  • Tevedzerai zviratidzo zvikuru zvakadai seGDP, mitero yemubereko, nemishumo yemabasa.
    ‍
  • Cherechedzai mapinduriro anoita mapeya emari amakasarudza panobuda nhau.
    ‍
  • Chengetai bhuku rekutengeserana muchinyora mapinduriro anoita misika kunhamba dzakakosha dzeupfumi.
    ‍
  • Tangai nekutengeserana kwedemo musati mashandisa mazano pamisika chaiyo.

Zviratidzo zveupfumi zvakakosha pakunzwisisa mafambiro emusika, asi chikamu chimwe chete chebasa rese. Vatengesi vanobudirira vanosanganisa nhamba dzeupfumi nekuongorora kwemaChart pamwe nekudzora njodzi nemazvo.

Wedzerai kunzwisisa kwenyu kweForex kuburikidza nezvidzidzo zvemahara zvedu paDeriv Academy. Dzidzirai kushandisa akaundi yekutengeserana yedemo yemahara musati mashandisa ruzivo rwenyu pamisika chaiyo.

Pindai paDeriv Academy muchishandisa email nePassword yeakaundi yenyu yeDeriv kuti mutange.

‍

Mibvunzo inowanzobvunzwa

Analyse markets with AI-powered insights

Explore TradersView
WhatsApp