
Chii chinonzi kutengeserana neExpert Advisor?
Kana muri kushamisika kuti Expert Advisor (EA) chii, hamusi mega! EA chirongwa chekutengeserana chinoitika chega chinoshanda mukati memapiku akaita seMT5 necTrader MT5. Inogona kuvhura, kubata, nekuvhara kutengeserana zvichienderana nemitemo yakagara yatemwa. Nekuda kwehungwaru hwekugadzirwa (AI) kutengeserana kunoitika kwega, zvino mava kugona kugadzira kana kuvandudza Expert Advisor yenyu yekutengeserana nyore nyore, kunyangwe muine ruzivo rushoma rwekukodha.
Sei muchifanira kushandisa AI kugadzira Expert Advisor yenyu
Kugadzira EA kunogona kuratidzika sechinhu chinotyisa, kunyanya kana musina ruzivo rwekukodha. Mashoko akanaka ndeekuti kushandisa AI zvino kwava kubvumidza vanotanga uye vatengeserani vane ruzivo kugadzira marobhoti eExpert Advisor nekungotsanangura mitemo yekutengeserana nemutauro uri nyore. Mamodheru eAI akaita seClaude, ChatGPT, neGemini anoshandura mazano enyu ekutengeserana kuita kodhi inoshanda, zvichiita kuti kutengeserana neExpert Advisor kuwanikwe zviri nyore uye kuve nesimba.
1. Kusarudza modheru yeAI yakakodzera kugadzira Expert Advisor
Kuti mutange, sarudzai modheru yeAI yekugadzira kodhi yenyu yeEA. Sarudzo dzakakurumbira dzinosanganisira:
- Claude (yakagadzirwa neAnthropic): inogona zvikuru pakugadzira kodhi yakarongeka.
- ChatGPT (yakagadzirwa neOpenAI): mhando inobhadharirwa inozivikanwa zvikuru pamabasa ekukodha. Shandisai GPT-4 (o1) kugadzira urongwa hwekutanga nemirairo (prompt), uye GPT-4o (o3 mini) kuvandudza zvinobuda.
- Gemini (yakagadzirwa neGoogle AI): inokodzerawo pakodha yekutengeserana nealgorithm.
Edzai modheru imwe neimwe kuti muwane inonyatsokodzera nzira yenyu nezvamunoda.
2. Maitiro ekupa AI mirairo yekugadzira Expert Advisor
Musati magadzira kodhi, mungada kukumbira AI kuti ikubatsirei kutsanangura kana kuvandudza urongwa hwenyu hwekutengeserana, kunyanya pamazano epamusoro. Kunyangwe muchigona kudarika danho iri, rinogona kuvandudza zvinobuda zvakanyanya.
Kana magadzirira, shandisai mirairo (prompt) yakajeka uye yakarongeka.
Semuenzaniso:
“Imi muri nyanzvi yekukodha yeMQL5. Gadzirai expert advisor (EA) inoshanda zvizere muMQL5 zvichienderana neurongwa nemitemo inotevera. Isai tsanangudzo dzakajeka kuitira kuti kodhi ive nyore kutevera. Ipai source code yakazara ye.mq5 mukati metriple backticks pakupedzisira.”
Zvadaro, tsanangurai zano renyu. Semuenzaniso:
- Shandisai Simple Moving Average (SMA) ye50-period neSMA ye200-period.
- Pindai mukutengeserana kwekutenga (buy trade) kana 50 SMA ikayambuka pamusoro pe200 SMA pachikero chenguva cheH1.
- Vharai kutengeserana kwacho kana SMA ikayambukazve ichidzika pasi.
- Isai Stop Loss pane swing low yekupedzisira.
- Isai panjodzi 1% yemari yasara maakaundi pakutengeserana kwega kwega.
Kana mirairo yenyu ikanyanya kujeka, ndipo panonyanya kururama nekubatsira kwezvichabuda paAI.
3. Kukopa nekuedza kodhi yenyu yeEA yakagadzirwa neAI
YeDeriv MT5 (MQL5)
- Kubva patoolbar yeDeriv MT5, tinai IDE.
- Mukona yekumusoro kuruboshwe, sarudzai New mozotora Expert Advisor.
- Isai zita reEA yenyu motevera zvinokumbirwa.
- Namidzai kodhi yenyu yakagadzirwa neAI muMetaEditor motarisa kana paine zvikanganiso.
- Itai backtest paEA yacho kuti muone kuti iri kushanda sezvamunotarisira here.
- Kana zvese zvichiratidzika zvakanaka, dzokerai kuMT5, vhurai Navigator → tinai kurudyi paExpert Advisors → Refresh.
- Dhonzerai EA yenyu pachati mobatidza Algo Trading.
YeDeriv cTrader (C#)
Kumbirai AI kuti ikupei cBot muC#. Shandisai mirairo yakajeka uye ine nhoroondo dzose, yakaita seiyi:
“Nyorai robhoti rekutengeserana recTrader (cBot) muC# rinopinda mukutengeserana kwekutenga kana RSI (14) iri pasi pe30, uye mutengo ukavhara uri pamusoro peEMA ye20-period pachikero chenguva cheH1. Budai mukutengeserana kana RSI yasvika pa70. Isai panjodzi 2% yemari yasara pakutengeserana kwega kwega.”
- Kana mirairo yenyu ikanyanya kujeka, zvinobuda zvinovandudzikawo.
- Kana mukasangana nezvikanganiso, namidzai mameseji ezvikanganiso zvacho muAI zvakare; kazhinji inogona kukubatsirai kugadzirisa matambudziko acho.
4. Zvikanganiso zvinozoitwa neAI pakugadzira EA yekutengeserana nemagadzirirwo azvo
Kodhi inogadzirwa neAI haisi nguva dzose inenge yakakwana. Heano matambudziko mashoma amungasangana nawo, pamwe chete nemhinduro dzawo:
Dambudziko 1: Chikanganiso chekuti “Undeclared identifier” muMQL5
Kugadzirisa: AI inogona kushandisa variable kana function isina kutsanangurwa. Tarisisai zvakare madeedzero emaindicator akaita seiMA() kana iRSI() kuti muone kuti akanyorwa nemazvo. Kusavapo kwemafunction ekutenga/kutengesa
Dambudziko 2: Kusavapo kwemafunction ekutenga/kutengesa
Kugadzirisa: Wedzerai mafunction ekutengeserana mega. Semuenzaniso:

Dambudziko 3: Urongwa hwekutengeserana husiri kushanda muDeriv cTrader
Kugadzirisa: Ivai nechokwadi chekuti kodhi yenyu iri mukati meevent handler yakakodzera, yakaita seOnBar() kana OnTick()
Dambudziko 4: Kuverengwa kusiri iko kwesaizi yelot
Kugadzirisa: AI inogona kuverenga saizi yeposition zvichienderana nemari yasara maakaundi chete, ichisiya saizi yekondirakiti. Izvi zvinogona kukonzera kutengeserana kwakakurisa kana kudikisa. Garai muchiita backtest uye gadziridzai fomula yacho kana zvichidiwa.
5. Maitiro akanakisisa ekushandisa AI mukutengeserana
Kunyangwe AI ichigona kuburitsa kodhi inoshanda, inogona kushaya kushanda nemazvo kana kuvimbika. Funga mazano aya kuti muvandudze EA yenyu:
- Wedzerai nzira dzekubata nadzo zvikanganiso (error handling) pamamiriro emusika asina kutarisirwa.
- Shandisai trailing Stop Loss kuchengetedza pundutso.
- Itai mabacktest kuti muvandudze mashandiro ezano renyu.
- Ongororai kodhi yacho mega kana kushandisa MetaEditor Debugger muDeriv MT5.
6. Zviri kuuya munguva pfupi: AI Debugging Agent
AI-powered EA Debugging Agent itsva iri kugadzirwa. Kana yabuda, ichaita izvi:
- Kugadzirisa zvikanganiso zvesyntax yoga mukodhi yakagadzirwa neAI
- Kuvandudza mashandiro uye kukurumidza kwechirongwa
- Kutsanangura mutsetse wega wega wekodhi nemutauro uri nyore
Chishandiso ichi chichaita kuti kugadzirisa zvikanganiso (debugging) kukurumidze uye kuve nyore, saka rambai makateerera kuti muwane zvitsva.
Kuzvibatanidza zvese pamwe chete
Nezvishandiso zveAI zvemazuva ano, kuvaka Expert Advisor yeDeriv MT5 kana Deriv cTrader kwava nyore kudarika kare kose. Nekupa mirairo yakajeka uye nekuedza kodhi yenyu nemazvo, munogona kugadzira, kuvandudza, nekusimudzira maalgorithm enyu ekutengeserana. Kana mukasangana nematambudziko, tarisai kugadziriswa kwezvikanganiso zvakajairika nemazano akapiwa pamusoro.
Magadzirira here kugadzira zano renyu rekutengeserana rinoitika rega? Gadzirai EA yenyu yekutanga neDeriv MT5 kana cTrader muite kuti zano renyu rishande neAI.


