Endesai kuzvinyorwa zvikuru
Chidzidzo
1
Volatility Indices | Vanotanga

Chii chinonzi Volatility indices

Hurefu hwenguva
5
maminiti

Volatility Indices chigadzirwa chakasiyana chinobva kuDeriv chinobvumira vanoita zvekutengeserana kupinda mukufamba kwemusika wakagadzirwa pasina zvinhu zvinowanzokanganisa misika zviri mumidziyo yemari yechinyakare. Nekupa nzira yehunyanzvi yekutevedzera kuchinja-chinja kwemusika, Volatility Indices chinhu chakakosha kuwedzera pane zvamunotengeserana.

‍

Chii chinonzi Volatility Indices?

Volatility Indices midziyo yemari yakagadzirwa nzira dzekutengeserana yakarongedzerwa kutevedzera matanho akasiyana ekuchinja-chinja kwemusika kudzora njodzi. Kusiyana nezvinhu zvakabatana nemisika chaiyo, maIndex aya anoshandisa maAlgorithm akachengetedzwa anogadzira kufamba kwemitengo kusingafanofungidzirwe. Izvi zvinoreva kuti mutengo wawo haukanganiswe nezvinhu zveupfumi, nhau dzinoitika, kana kutenga nekutengesa kunowanzoonekwa mune imwe misika.
‍

Zvinhu Zvikuru:

  • Chimiro Chakagadzirwa: MaIndex aya haana chekuita nemisika chaiyo yepasi rose kana midziyo iripo, zvichipa ruzivo rwekutengeserana rwakasiyana.
    ‍
  • Kuchinja-chinja Kwakarongwa: Index yoga yoga yakarongedzerwa kuchengetedza mwero wakatarwa wekuchinja-chinja, zvichibatsira vanoita zvekutengeserana vanoda kunangisa pfungwa pakutevedzerwa kwekufamba kwemutengo chete.
    ‍

Mhando dzeVolatility Indices Dzinowanikwa

Deriv inopa mhando dzakasiyana-siyana dzeVolatility Indices, dzinosiyaniswa nemwero wadzo wekuchinja-chinja wakatarwa, uyo unoratidzwa nenhamba. MaIndex aya akakamurwa kuita mapoka maviri makuru zvichienderana nekukurumidza kweTick yawo:
‍

1. Kukurumidza kweTick

  • MaTick eSekondi Rimwe (1s): MaIndex aya anoratidza kuchinja kwemitengo kudiki asi kunoitika kakawanda, zvichibvumira kutengeserana kunokurumidza.
    ‍
  • MaTick eMasekondi Maviri: MaIndex aya anowanzoratidza kuchinja kukuru kwemitengo paTick yoga yoga, zvichipa mikana yekufamba kwemitengo kwakakura.
    ‍

2. Mipimo yeKuchinja-chinja

  • MaTick eMasekondi Maviri: Mwero wekuchinja-chinja unobva pa10 kusvika pa100.
    ‍
  • MaTick eSekondi Rimwe: MaIndex aya anopa mwero wakakura wekuchinja-chinja, kubva pa10 kusvika pa250.

Pamunosarudza pakati pemaIndex eTick yesekondi rimwe needzemasekondi maviri, fungai nezvemaitiro enyu ekutengeserana. Kana muchifarira kutengeserana kakawanda pamwe nekufamba kudiki kwemitengo, maTick esekondi rimwe anogona kuva sarudzo iri nani. Kune rumwe rutivi, kana muchitsvaga kushandisa kuchinja kukuru kwemitengo, maTick emasekondi maviri anogona kupa mikana iyoyo.
‍

Sei Muchifanira Kutengeserana Volatility Indices?

Kutengeserana Volatility Indices kunogona kuva sarudzo ine hungwaru pakuva nemhando dzakasiyana dzezvamunotengeserana nekuda kwechimiro chadzo chakasiyana:
‍

  • Kusatsamira paMusika: Kufamba kwacho kunongoratidza kuchinja kweAlgorithm pane zviitiko zvepasi chairo, zvichiita kuti zvive sarudzo yakanaka kune vanoita zvekutengeserana vanoda kudzivirira zvinhu zvisingatarisirwe zvinokanganisa musika.
    ‍
  • Mwero Wakatarwa weKuchinja-chinja: Hurongwa hwekuchinja-chinja hwakavakirwa mukati hunobvumira vanoita zvekutengeserana kugadzirisa nzira dzavo zvichienderana neapo pavanogumira pakutora njodzi uye zvinangwa zvavo zvekutengeserana.
    ‍
  • Kuwedzera kweSarudzo: Nesarudzo dzese dzemaTick esekondi rimwe nemasekondi maviri, vanoita zvekutengeserana vanogona kuwana Index inoenderana nenzira uye nhanho yavo yekutengeserana.
    ‍

Mhedziso

Muchidimbu, Volatility Indices inomiririra nzira itsva yekupinda mukufamba kwemusika wakagadzirwa, isina zvipingaidzo zvemisika yechinyakare. Nemhando dzakasiyana dzesarudzo dzinobva pakukurumidza kweTick uye mwero wekuchinja-chinja wakagara watarwa, maIndex aya anopa sarudzo dzakawanda kune vanoita zvekutengeserana vanoda kuvandudza nzira dzavo. Tinokukurudzirai kuti muongorore Volatility Indices zvakadzama kuti muone kuti ingakwana sei mumaitiro enyu ekutengeserana.

Quiz

Ndechipi chinhu chakasarudzika chinosiyanisa Volatility Indices kubva kune zvimwe zvekutengeserana zvemari zvakajairika?

Matanho eVolatility anowanikwa pamaVolatility Indices eTick yesekondi imwe anobvira papi kusvika papi?

Vanoita zvekutengeserana vanogona kusarudza sei pakati pezviyero zveTick zvesekondi imwe chete nezvemasekondi maviri?

Analyse markets with AI-powered insights

Explore TradersView
WhatsApp