Kunzwisisa mapeya eForex
Munyika yekutengeserana kweForex, kunzwisisa mapeya eForex kwakakosha zvikuru kuvatangi. Kunyangwe vhidhiyo yakapa mavambo akasimba, chidzidzo chino chichawedzera pamusoro pezvinhu zvakakosha zvemapeya eForex zvakaunzwa muVhidhiyo 2, tichitarisa pazvikamu zvakakosha zvakaita sezvinoumba peya yeForex, kukosha kwemapip, pamwe nekuyera saizi yekutengeserana kwenyu nemazvo.
Zvinoumba Peya yeForex
Peya imwe neimwe yeForex inoumbwa nemari mbiri: base currency nequote currency. Base currency ndiyo mari yekutanga inonyorwa mupeya, yamunenge muchitenga, ukuwo quote currency iri mari yechipiri, inomiririra huwandu hunodiwa kutenga chikamu chimwe chete chebase currency.
Semuenzaniso, mupeya yemari yeEUR/USD:
- Base Currency: EUR (Euro)
- Quote Currency: USD (U.S. Dollar)
Kana mukaona mutengo wakaita sa1.0697 paEUR/USD, zvinoreva kuti euro rimwe chete rakaenzana nemaU.S. dollar 1.0697. Kunzwisisa hukama uhwu kwakakosha zvikuru, sezvo munenge muchitenga base currency uku muchitengesa quote currency panguva yekutengeserana.
Kukosha kwemaPip
Pip, kana kuti “percentage in point,” ndicho chiyero chidiki pane zvese chinoshandiswa kuyera kushanduka kwemitengo mupeya yemari. Kazhinji, pamapeya mazhinji, pip inomiririrwa nenhamba yechina kubva padesimari (0.0001); zvisinei, pamapeya eyen, inomiririrwa nenhamba yechipiri kubva padesimari (0.01).
Kunzwisisa mapip kwakakosha nekuti anokubatsirai kuyera kushanduka kwemutengo nemhindu kana kurasikirwa kunogona kuitika. Semuenzaniso, kana makatenga (long) paEUR/USD uye mutengo ukabva pa1.2050 kuenda pa1.2051, uku kuwana pip imwe chete (1 pip).
Pfungwa iyi inova yakakosha kana tasvika pakuverenga kukosha kwekushanduka kwepip imwe neimwe zvichienderana nesaizi yelot yenyu, iyo inokanganiswa nesaizi yeposition yamunotora pamusika.
Kunzwisisa Saizi dzemaLot
Mukutengeserana kweForex, “lot” inoreva saizi yekutengeserana uye inogona kukanganisa zvikuru mwero wenjodzi yamunenge muchitora. Saizi dzemalot dzinozivikanwa dzinosanganisira:
- Standard Lot: zvikamu 100 000 zvebase currency.
- Mini Lot: zvikamu 10 000 zvebase currency.
- Micro Lot: zvikamu 1 000 zvebase currency.
- Nano Lot: zvikamu 100 zvebase currency.
Kusarudza saizi yelot yakakodzera kwakakosha zvikuru. Malot makuru anomiririra mukana wemhindu yakakura asi anouyawo nenjodzi huru, ukuwo malot madiki achibvumira kutengeserana kwakadzikama uye kuri nyore kudzora. Sarudzo iyi inofanira kuenderana nemwero wenjodzi yamunokwanisa kutakura pamwe nezano renyu rekutengeserana.
Hukama Huri Pakati pemaLot nemaPip
Hukama huri pakati pemalot nemapip hwakakosha zvikuru pakuona mhindu kana kurasikirwa kwenyu mukutengeserana kweForex. Kukosha kwepip kunoenderana nesaizi yelot yamuri kutengeserana nayo. Semuenzaniso, kana mari yeakaundi yenyu yekutengeserana iri maU.S. dollar, uye USD iri yechipiri mupeya (kana kuti quote currency), sepapeya yeEUR/USD, pip inogara iri pa0.0001. Saka kana muri kutengeserana nestandard lot (zvikamu 100 000) yeEUR/USD, kushanduka kwepip imwe chete (1 pip) kunoreva mhindu kana kurasikirwa kwe$10.
Kuti munzwisise masvomhu aya, munogona kushandisa fomura inotevera:
Kukosha kwePip = Hukoshi hwekutengeserana × Pip yeQuote Currency
PaStandard Lot muEUR/USD:
Pip mumadesimari ndi0.0001.
Saizi yekutengeserana pastandard lot zvikamu 100 000.
Tichishandisa fomura:
Kukosha kwePip = 100 000 x 0.0001 = $10
Naizvozvo, pakushanduka kwepip imwe neimwe muEUR/USD muchitengeserana nestandard lot, hukoshi hunoshanduka ne$10.
Kana USD iri yekutanga mupeya (kana kuti base currency), sepapeya yeUSD/EUR, kukosha kwepip kunosanganisirawo mwero wekutsinhanisa mari (exchange rate). Govai saizi yepip nemwero wekutsinhanisa mari mozozvipetesa nehukoshi hwekutengeserana (kana kuti saizi yelot).
Kukosha kwePip = Hukoshi hwekutengeserana (Saizi yePip ÷ Mwero weKutsinhanisa Mari)
PaStandard Lot muUSD/EUR:
Pip mumadesimari ndi0.0001.
Saizi yekutengeserana pastandard lot zvikamu 100 000.
Mwero wekutsinhanisa mari ndi0.91469
Tichishandisa fomura:
Kukosha kwePip = 100 000 (0.0001 ÷ 0.91469) = 10.93$
Hukama uhwu hwakakosha zvikuru pakuita sarudzo dzekutengeserana dzine ruzivo, sezvo huchikubatsirai kuongorora njodzi inofambirana nekushanduka kwepip imwe neimwe zvichienderana nesaizi yelot yamunosarudza.
Mhedziso: Kuvaka Nheyo Yakasimba
Kuziva zvakadzama mavambo emapeya eForex kunovaka nheyo yakasimba yerwendo rwenyu mukutengeserana kweForex. Kunzwisisa zvinoumba peya yemari, kukosha kwemapip, nekuyera saizi yekutengeserana kwenyu nemazvo kunoita kuti mukwanise kupinda pamusika nezano rakasimba. Sezvo muchienderera mberi nekuongorora kutengeserana kweForex, kushandisa pfungwa idzi kuchavandudza maitiro enyu ekuita sarudzo nekuronga kutengeserana kwenyu.
Quiz
Pip inomiririra chii mukutengeserana kweForex?
Lot size inobata sei kutengeserana kwenyu muForex?
Mupeya yeEUR/USD, EUR inomiririra chii?


