Zvinhu zvekutengeserana zvinowanikwa nemaOptions
Muchidzidzo chino, tichatarisa zvinhu zvakasiyana-siyana zvinowanikwa pakutengeserana maDerivatives papuratifomu yeDeriv puratifomu yeDeriv kutengeserana maOptions, kusanganisira zvinhu zvemari pamwe chete nemaDerived Indices. Kunzwisisa zvinopihwa izvi kuchakusimbisai kuti mushandise mikana yakasiyana-siyana yekutengeserana nekuvandudza ruzivo rwenyu rwese rwekutengeserana.
Zvinhu Zvemari Zvinowanikwa paDeriv
Deriv inopa maDerivatives pamhando dzakawanda dzezvinhu zvemari, zvichikubvumirai kupinda mumisika yakasiyana-siyana:
- Mapeya eForex: Kusanganisira mapeya emari akakurumbira akaita seEUR/USD, GBP/USD, neUSD/JPY.
- Zviyero zvemasheya: MaDerivatives pazviyero zvemasheya zvakakosha, zvichikubvumirai kutengeserana pamafambiro makuru emusika.
- Mari yeCrypto: Tengeseranai maDerivatives pamari yeCrypto yakakurumbira, muchibata shanduko dzemitengo mumusika weCrypto unogara uchishanduka.
- Commodities: Tengeseranai maCommodities akaita semafuta negoridhe, muchibatsirikana nekukwira nekudzika kwemitengo yazvo.
Kusiyana-siyana uku kunokugonesai kuongorora misika yakawanda nekugadzira nzira dzakagadzirirwa mhando dzakasiyana dzezvinhu zvekutengeserana.
Kunzwisisa Derived Indices
MaDerived Indices anowanikwa paDeriv chete uye anogona kuiswa mumapoka maviri makuru: maBasket Indices nemaSynthetic Indices.
Basket Indices
MaBasket Indices anokupai mukana wekutarisa mafambiro akabatana ezvinhu zvekutengeserana zviri mukati mawo. Heano maBasket Indices anowanikwa:
- Gold Basket: Inoyera kukosha kwegoridhe ichienzaniswa nebhasikiti remari shanu dzepasi rose (EUR, GBP, JPY, AUD, USD), imwe neimwe iine huremu hwakaenzana hwe20%.
- Forex Baskets: Anotevera kukosha kwemari huru (AUD, EUR, GBP, USD) achienzaniswa nebhasikiti rakaenzana remari shanu dzepasi rose, imwe neimwe iine huremu hwakaenzana hwe20%.
Zviyero izvi zvinobvumira vatengesi kufungidzira divi riri kuenda bhasikiti rese, zvichiparadzira njodzi pamari dzakawanda nekubatsira kuderedza njodzi yekuvimba nechinhu chimwe chete. Semuenzaniso, Gold Basket inopa nzira yakaenzana yekutengeserana goridhe pasina kuvimba zvakanyanya nedhora reUS.
Volatility Indices
MaVolatility Indices zviyero zveSynthetic Indices zvinotevedzera mashandukiro anoita mitengo pamwero wakasiyana wekusagadzikana unogara wakadaro. Zvinopa mafambiro emitengo akatsetseka uye anoenderera mberi zvichienderana nemitemo yakatarwa yeVolatility. Deriv inopa matanho akasiyana eVolatility, akaita seaya:
- Volatility 10 Indices (10% yeVolatility pagore)
- Volatility 50 Indices (50% yeVolatility pagore)
- Volatility 100 Indices (100% yeVolatility pagore)
Munogona kusarudza pakati peTick yesekondi imwe chete kana masekondi maviri, zvichienderana nezvamunofarira pakutengeserana. Zviyero zvine Volatility yepamusoro zvine kushanduka kukuru kwemitengo, zvichiita kuti zvikodzere nzira dzekutengeserana dzine chivindi, ukuwo zviyero zvine Volatility yakaderera zvichikodzera vatengesi vanodzivirira njodzi.
Jump Indices
MaJump Indices anotevedzera mamiriro emusika umo zvinokatyamadza zvinogona kuitika, zvichibva pamashandiro eVolatility Index. Zviyero izvi zvinoburitsa kusvetuka kukuru kwemitengo kupfuura zvakajairika nguva nenguva, kunoitika kamwe chete pamaminitsi makumi maviri (20) ega ega paavhareji. MaJump Indices anobva pa10 kusvika pa100 uye anopa vatengesi Volatility yakawedzerwa, zvichiwedzera dzimwe sarudzo dzenzira dzekutengeserana.
Crash and Boom Indices
Kune vatengesi vari kutsvaga shanduko dzemitengo dzinokurumidza, maCrash and Boom Indices ndizvo zvakanyatsokodzera.
- Crash Indices: Zviyero izvi zvinosangana nekukwira kwemitengo zvishoma nezvishoma kuchiteverwa nekudonha kamwe kamwe, uye kuwanda kwekudonha uku kunosiyana zvichienderana nedanho rechiyero chacho.
- Boom Indices: Kune rumwe rutivi, izvi zvinosanganisira kudzika kwemitengo kunoenderera mberi kunozopedzisira nekusvetuka kwakanyanya. Vatengesi vanogona kushandisa mafambiro aya nemazvo nekuronga nguva yekutengeserana kwavo kuti ienderane nemafambiro anotarisirwa.
Step Indices
Zviyero zveStep Indices zvakaiswa mumapoka zvichienderana nematanho akatarwa, uye zvinofamba nematanho akatsanangurwa. Semuenzaniso, Step Index yakajairika ine danho re0.1, ukuwo mamwe maStep Indices akasiyana-siyana (200, 300, 400, ne500) aine matanho anowedzera kukura. Zviyero izvi zvinogadzira mamiriro ekutengeserana anofungidzirika, zvichikwezva vatengesi vane nzira dzenguva pfupi nedzenguva refu.
Daily Reset Indices
MaDaily Reset Indices, kusanganisira Bull Market neBear Market Index, anotevedzera mafambiro emusika mukativemaawa makumi maviri nemana (24). Anodzokera pahuwandu hwekutanga zuva nezuva, achipa mafambiro anofungidzirika:
- Bull Market Index: Inowanzokwira uye inodzokera pa1 000 maawa makumi maviri nemana (24) ega ega.
- Bear Market Index: Inowanzodzika zvichienderera mberi, uye inodzokerawo pa1 000 pakutanga kwezuva rega rega.
Zviyero izvi zvinopa nzira yakarongeka yekutengeserana ine njodzi yakaderera nekuda kwemafambiro azvo ezuva nezuva anofungidzirika.
Mhedziso
Muchidzidzo chino, taongorora mhando dzakasiyana-siyana dzezvinhu zvemari nemaDerived Indices anowanikwa pakutengeserana paDeriv. Kunzwisisa zvinopihwa izvi kunokubvumirai kugadzira nzira dzenyu dzekutengeserana kuti dzienderane nezvinangwa zvenyu, zvamunofarira, uye mwero wenjodzi wamunokwanisa kutakura.
Sezvamunotengeserana nezvinhu izvi, yeukai kushandisa mitemo yakanaka yekudzora njodzi kuitira kuchengetedza mari yenyu nekuvandudza zvamunowana mukutengeserana kwenyu. Muchidzidzo chinotevera, tichanyura zvakadzama munzira dzakananga dzekutengeserana zviyero izvi nemazvo.
Quiz
Ndezvipi zviwanikwa zvemari zvamunogona kutengeserana maDerivatives pazviri paDeriv?
Ndechipi chimiro chikuru cheBasket Indices?
Jump Indices dzinosiyana sei neVolatility Indices dzagara dziriko?


