Basa rezviratidzo zveupfumi mukutengeserana kweForex
Kunzwisisa zviratidzo zveupfumi kwakakosha kune vanotengeserana vanoshandisa ongororo yenheyo mumusika weForex, sezvo nhamba idzi dzichipa ruzivo nezvehutano hweupfumi, mafambiro ahwo, pamwe nekushanduka kungangoita kukosha kwemari mune ramangwana pachitariswa nheyo dzemusika weForex. Chidzidzo chino chichatarisa zvakadzama zviratidzo zveupfumi zvikuru zvinogona kubata kutengeserana kweForex, kutsanangura kukosha kwazvo, nekukurukura mashandisirwo azvingaitwa mukuvaka mazano enyu ekutengeserana.
Chii Chinonzi Zviratidzo zveUpfumi?
Zviratidzo zveupfumi zviyero zvenhamba zvinoshandiswa kupima mashandiro eupfumi hwenyika. Zviratidzo izvi zvinobatsira vanogadzira mitemo, vanodyara mari, nevanotengeserana kuongorora mamiriro eupfumi, kutevera mafambiro ahwo, uye kuita sarudzo dzine ruzivo. Zviratidzo zveupfumi zvinogona kupatsanurwa muzvikamu zvitatu zvikuru:
- Zviratidzo Zvinotungamira: Zviratidzo zvinotungamira zvinopa fungidziro yezvichaitika muupfumi mune ramangwana uye zvinogona kubatsira vanotengeserana kufanotaura mafambiro emusika.
- Zviratidzo Zvinotevera Shure: Zviratidzo zvinotevera shure zvinoratidza zvinhu zvaitika nemashandiro eupfumi mushure mekunge zvatoitika, zvichipa ruzivo pamusoro pemamiriro eupfumi panguva iyoyo. Kunyangwe zvichikosha pakusimbisa mafambiro eupfumi, zvakakosha kunzwisisa kuti hazvigone kufanotaura zvichaitika muupfumi mune ramangwana.
- Zviratidzo Zvinoenderana neNguva: Zviratidzo zvinoenderana nenguva zvinoratidza mamiriro eupfumi panguva iyoyo uye zvinosimbisa mafambiro anenge aratidzwa nezviratidzo zvinotungamira.
Zvimwe Zviratidzo zveUpfumi Zvinobata Misika yeForex
Zviratidzo zveUpfumi Zvinotungamira
- Purchasing Managers' Index (PMI): Chiyero ichi chinobva muongororo dzepamwedzi dzemamaneja ekutenga uye chinoyera maonero avo pamusoro pemamiriro ebhizinesi muzvikamu zvekugadzira zvinhu nezvemabasa. Chiyero chePMI chiri pamusoro pe50 chinoratidza kukura kweupfumi, kozoti chiyero chiri pasi pe50 chinoratidza kudzikira. Kunzwisisa mafambiro ePMI kunogona kubatsira vanotengeserana kufungidzira kwakananga upfumi.
- Chivimbo cheMabhizinesi: Chiratidzo ichi chinoongorora kuti vatungamiri vemabhizinesi vane tariro yakadii pamusoro peupfumi. Chivimbo chemabhizinesi chakakwira chinowanzoenderana nekuwedzera kwekudyara mari nekupinzwa kwevanhu mabasa, izvo zvinogona kubatsira mukukura kweupfumi.
- Consumer Confidence Index (CCI): Chiyero ichi chinoyera mafungiro evatengi netarisiro yavo pamusoro peupfumi. CCI yakakwira inoratidza kuti vatengi vakasununguka kushandisa mari, izvo zvinogona kusimudzira kukura kweupfumi, ukuwo CCI yakaderera ichiratidza kungwarira pamwe nekudzikira kungangoita kushandiswa kwemari.
Zviratidzo zveUpfumi Zvinotevera Shure
- Inflation: Ichiyerwa neConsumer Price Index (CPI), Inflation inomiririra mwero unokwira nawo mitengo yezvinhu nemabasa pamusika. Mwero wakakwira weInflation unogona kudzikisira simba rekutenga remari, zvichikonzera kudzikira kwekushandiswa kwemari nevatengi pamwe nekudzikira kungangoita mararamiro evanhu. Vanotengeserana vanocherechedza Inflation zvakanyanya, sezvo ichigona kukonzera shanduko pamitemo yebhanga guru renyika, kunyanya pasarudzo dzemibereko yemari. Inflation yakaderera uye yakagadzikana inowanzotorwa sechinhu chakanaka nekuti inokurudzira kushandiswa nekudyarwa kwemari, izvo zvinotsigira kukura kweupfumi.
- Mwero weKushaya Mabasa: Chikamu ichi chinoratidza huwandu hwevashandi vasina mabasa pahuwandu hwese hwevanhu vanokwanisa kushanda asi hachibatanidzi avo vakamira kutsvaga mabasa. Kuwedzera kwekushaya mabasa kunogona kuratidza matambudziko eupfumi, ukuwo mwero wakaderera uchigona kuratidza upfumi hwakasimba. Zvisinei, mwero wekushaya mabasa unogona dzimwe nguva kutsausa, sezvo usina kubatanidza vanhu vakaora mwoyo vakabuda muboka revanotsvaga mabasa.
- Chiyero cheKutengeserana neKunze: Chiratidzo ichi chinomiririra musiyano uripo pakati pezvinhu nemabasa zvinotengeswa nenyika kunze nezvainotenga kubva kunze. Kuwanda kwemari yekutengeserana nekunze kunoratidza kuti nyika iri kutengesa zvinhu nemabasa zvakawanda kunze kudarika zvairi kutenga, zvichibatsira kusimudzira hutano hweupfumi. Nekune rimwe divi, kushomeka kwemari yekutengeserana nekunze kunoratidza kuti nyika iri kushandisa mari yakawanda kutenga zvinhu kubva kunze kudarika yairi kuwana pakutengesa kunze, izvo zvinogona kukonzera kuwedzera kwekukwereta uye kuderera kungangoita simba remari yenyika.
Zviratidzo zveUpfumi Zvinoenderana neNguva
- Gross Domestic Product (GDP): GDP inoyera kukosha kwese kwezvinhu nemabasa zvinogadzirwa mukati menyika mukati menguva yakatarwa. GDP iri kukura inoratidza upfumi huri kusimba, ukuwo kudzikira kweupfumi kwemakota maviri akatevedzana kuchiratidza kuderera kukuru kweupfumi.
- Kutengeswa kweZvinhu muZvitoro: Chiyero ichi chinotevera huwandu hwese hwezvinhu zvinotengeswa muchikamu chezvitoro zvinotengesera veruzhinji. Chinopa ruzivo pamusoro pemashandisirwo emari nevatengi uye hutano hweupfumi hwese. Shanduko huru pakutengeswa kwezvinhu muzvitoro inogona kuratidza kuchinja kwemamiriro eupfumi.
- Personal Consumption and Expenditure (PCE): PCE inotevera mari inoshandiswa nevatengi pazvinhu nemabasa, ichipa maonero akadzama pamusoro pekushandiswa kwemari mudzimba. PCE inowanzosarudzwa nenyanzvi dzeupfumi sechiyero cheInflation nekuti inosanganisira mhando dzakawanda dzekushandiswa kwemari kudarika kutengeswa kwezvinhu muzvitoro.
Tarisiro yeMusika zvichienzaniswa neNhamba Dzechokwadi
Pakuongorora mabatiro anoita zviratidzo zveupfumi musika weForex, zvakakosha kutarisa musiyano uripo pakati penhamba dzinenge dzichifungidzirwa nezvinobuda chaizvo. Musiyano uyu unogona kukonzera kukwira nekudzikira kukuru kwekukosha kwemari:
- Nhamba Dzakafungidzirwa zvichienzaniswa neNhamba Dzechokwadi: Vanotengeserana vanofanira kuziva nhamba dzinenge dzichitarisirwa zvisati zvaburitswa zvinyorwa zveupfumi. Kana nhamba dzechokwadi dzikasiyana zvakanyanya nedzakafungidzirwa, izvi zvinogona kukonzera kuchinja kukuru uye nekukasika kwemitengo mumusika weForex apo vanotengeserana vanenge vachitora matanho nekugadzirisa kutengeserana kwavo zvichienderana nemaonero avanoita kusimba kana kuderera kwemari.
Vanotengeserana vanobudirira vanogara vachicherechedza kuburitswa kwenhamba pakarenda yeupfumi zvine chekuita nezviratidzo izvi, vachigadzirisa mazano avo zvichienderana nemamiriro emusika aripo neanotarisirwa. Kushandiswa kweongororo yehunyanzvi kuchibatanidzwa nezviratidzo zveupfumi kunogona kuvandudza maitirwo esarudzo nekuvandudza zvinobuda mukutengeserana.
Mhedziso: Garai Muri Pamberi neZviratidzo zveUpfumi
Kunzwisisa zvakadzama zviratidzo zvehupfumi kwakakosha kune wese anoita zvekutengeserana anoda kushanda nemazvo pamusika weForex. Nekunzwisisa zviratidzo zvinotevera shure, zvinofanotungamira, nezvinoenderana nenguva iripo, munogona kufanoona mafambiro emusika moita sarudzo dzekutengeserana dzine ruzivo. Sezvamunofambira mberi murwendo rwenyu rwekutengeserana, rambai muchizvidzidzisa pamusoro pemamiriro ehupfumi anopesvedzera kukosha kwemari uye gadzirirai kushandura nzira dzenyu zvinoenderana naizvozvo.
Quiz
Ndechipi pane zvinotevera chiri chiratidzo cheupfumi chinotevera shure?
Consumer Confidence Index (CCI) inobata sei hupfumi hwenyika?
Sei Trade Balance yakakosha kune vanotengeserana muForex?


