Position sizing
Sezvamunopinda mukutengeserana maVolatility Indices, kunzwisisa position sizing kunova chinhu chakakosha zvikuru pazano renyu rekudzora njodzi. Position sizing inosarudza kuti imari yakawanda sei pamari yenyu yekutengeserana yamunoisa pakutengeserana kwega kwega, zvichikudzivirirai pakurasikirwa kwakanyanya uku zvichikubvumirai kushandisa mikana iri pamusika. Nekunyatsoongorora nekudzora huwandu hwemari yamunoshandisa, munogona kufambirana nekushanduka-shanduka kwemitengo kwezviyero izvi pasina kuisa mari yenyu yose yekutengeserana panjodzi.
Kukosha kwePosition Sizing
Kushanduka-shanduka kwemitengo kunogona kuunza mukana wekuwana mubairo pamwe nenjodzi dzinofambirana nako. Position sizing inokubatsirai kuenzanisa zvinhu izvi nekudzora huwandu hwenjodzi yamunozviisa pamusika. Nekugovera mari yenyu pakutengeserana kwakawanda, munoderedza njodzi yekuti kurasikirwa pakutengeserana kumwe chete kungakanganisa akaundi yenyu yose zvakanyanya. Semuenzaniso, kana mukarasikirwa pakutengeserana kumwe chete, mari yenyu yasara mune kumwe kutengeserana inoramba ichikubvumirai kuenderera mberi nekutengeserana pamusika, zvichideredza mukana wekurasikirwa kwakakura zvikuru.
Kana muchitarisa maVolatility Indices akasiyana-siyana, zvakakosha kuziva kuti kutengeserana neposition size yakafanana paVolatility 10 nepaVolatility 250 kunokuisai panjodzi dzakasiyana zvikuru. Kushanduka-shanduka kwemitengo kwakanyanya hakungorevi mukana mukuru wekuwana mari yakawanda chete, asi kunorevawo mukana wakakura wekurasikirwa zvakanyanya. Naizvozvo, kugadzirisa position size yenyu zvichienderana nekushanduka-shanduka kwemitengo kweIndex yamuri kutengeserana kunokubatsirai kunanga mibairo yamunoshuvira uku muchiramba muri mukati memiganhu yenjodzi inogamuchirika.
Mazano ePosition Sizing
Hapana nzira imwe chete yeposition sizing; zvisinei, pane nzira dzinoverengeka dzinogona kukutungamirirai zvichienderana nemaitiro enyu ekutengeserana uye huwandu hwenjodzi yamunokwanisa kutakura:
- Mari yeDhora Yakatarwa: Sarudzai huwandu hwemari yedhora yakatarwa yamunoisa panjodzi pakutengeserana kwega kwega, yakaita se$10. Nzira iyi inochengetedza huwandu hwenjodzi hwakafanana pakutengeserana kwakawanda, izvo zvinogona kubatsira kuchengetedza mari yenyu yose yekutengeserana.
- Chikamu kubva muzana cheAkaundi: Sarudzai chikamu kubva muzana chemari yose yasara muakaundi yenyu chamunoisa panjodzi pakutengeserana kwega kwega. Semuenzaniso, kana mari yasara muakaundi yenyu iri $2 000 uye muchishandisa mwero wenjodzi we1%, kutengeserana kwega kwega kunoisa $20 panjodzi. Sezvo akaundi yenyu inokura, mari iyi inochinjawo zvichienderana naizvozvo. Nzira iyi inoita kuti njodzi yenyu ifambirane nemari yamuinayo, izvo zvinobatsira zvikuru kana muchitengeserana zvinhu zvine mitengo inoshanduka-shanduka zvakanyanya seVolatility 250 Index.
- Position Sizing Inoenderana neKushanduka-shanduka Kwemitengo Muchishandisa ATR: Chiratidzo cheAverage True Range (ATR) chinoyera avhareji yekufamba kwemutengo wechinhu mukati menguva yakasarudzwa. Vamwe vatengeserani vanoganhurira njodzi yavo kuyuniti imwe chete yeATR pakutengeserana kwega kwega. Semuenzaniso, kana ATR yemazuva 14 yeVolatility 25 iri $8.5, munoisa muganhu wenjodzi yenyu pamari iyoyo. Nzira iyi inochengetedza njodzi yenyu ichienderana nekufamba kwemitengo kwemazuva ose, zvichikubvumirai kuisa matanho eTake-Profit (TP) neStop-Loss (SL) ane ruzivo rwakadzama zvichienderana nemamiriro emusika.
Nekushandisa mazano aya, munogona kuvaka hurongwa hwakasimba hweposition sizing hunoenderana nekushanduka-shanduka kwemusika nezvamunoda pakutengeserana kwenyu.
Mhedziso
Mukupedzisa, kunyatsogona position sizing kwakakosha pakutengeserana kunoenderera mberi zvakanaka mumaVolatility Indices. Nekunzwisisa njodzi dziri muzvinhu izvi nekushandisa mazano anoshanda eposition sizing, munogona kuchengetedza mari yenyu yekutengeserana uku muchiwedzera mikana yekuwana purofiti. Sezvamunoongorora mazano akurukurwa muchidzidzo chino, yeukai kuti hapana nzira imwe chete inokodzera munhu wese. Kugadzirisa nzira yenyu yeposition sizing kuti ienderane nehuwandu hwenjodzi yamunokwanisa kutakura, maitiro enyu ekutengeserana, nemamiriro emusika kuchakubatsirai kutengeserana nechivimbo chakawedzerwa.
Iye zvino, mava neruzivo rwakakwana rwekufambirana nenyika yemaVolatility Indices nemazvo uye neungwaru.
Quiz
Ndechipi chinangwa chikuru cheposition sizing mukutengeserana?
Ndeipi nzira yeposition sizing inochinja zvichienderana nekukwira nekudzikira kwemari yasara muakaundi?
Chiratidzo cheAverage True Range (ATR) chinoyerei?


