Kusarudza volatility yakakodzera
Mukutengeserana, volatility inoreva mwero wekushanduka-shanduka kwemutengo wechinhu mukati menguva yakatarwa. Inoshanda sechiratidzo chakakosha chekushanduka kwemusika uye chinhu chinokosha pakuongorora njodzi. Volatility yakakwira inoreva kuti mutengo wechinhu unogona kushanduka zvikuru munguva pfupi, zvichiita kuti pave nemukana wekuwana mari yakawanda kana kurasikirwa kukuru. Kune rimwe divi, volatility yakaderera inoratidza mamiriro emutengo akatsiga ane kushanduka kwemutengo kushoma. Kunzwisisa volatility kwakakosha pakufambisa basa nemazvo uye kutengeserana zvinobudirira mumisika.
MaVolatility Indices anomiririra matanho akasiyana-siyana ekushanduka kwemitengo aya uye akagadzirirwa kuenderana nemaitiro akasiyana ekutengeserana. Chidzidzo chino chichapa ruzivo pamusoro pezvinhu zvinoonekwa pamaVolatility Indices, zvinhu zvinofanira kutariswa nevanotengeserana, nemazano anoshanda ekutengeserana zvinobudirira.
Zvinhu Zvinoonekwa pamaVolatility Indices
Deriv inopa mhando dzakasiyana-siyana dzemaVolatility Indices, imwe neimwe ichitsanangurwa nepesenti yayo yevolatility inotaridza kushanduka kwemutengo kunotarisirwa. Kunyange zvazvo maVolatility Indices emazuva ose achiita kushanduka kwemutengo (Tick) masekonzi maviri ega ega, Deriv inopawo mamwe maIndices ane volatility yakafanana, asi achibudisa Tick sekonzi imwe neimwe. Munogona kuziva maIndices aya ne(1s) yakanyorwa pachiratidzo chacho.
Pazasi apa pane mienzaniso mishoma yakakurumbira, pamwe nekutsanangurwa kwakadzama kwemwero wayo wevolatility:
- Volatility 10 Index: Iine volatility ye10%, index iyi yakakodzera vanotengeserana vari kutsvaga kutsiga uye kushanduka kudiki kwemitengo, zvichiita kuti ive yakanakira vachangotanga kana avo vanofarira mamiriro ekutengeserana anofanoonekwa zviri nyore.
- Volatility 25 Index: Ichipa kushanduka kwemutengo kwakawedzera zvishoma kana zvichienzaniswa ne10 Index, Volatility 25 Index inoenzanisa pakati penjodzi nemubairo. Inobvumira vanotengeserana kuti vasangane nekushanduka kwakati wedzerei uku vachiri kuchengetedza mwero wekutsiga.
- Volatility 100 Index: Index iyi ine volatility ye100%, zvichimiririra mamiriro emusika asiri nyore kufanoona. Inopa mukana wekuwana mari yakawanda, asi njodzi dzinofambirana nayo dzinoita kuti ikodzere vanotengeserana vane ruzivo vanokwanisa kushandisa mazano ekutengeserana ane simba.
- Volatility 150 Index: Iine volatility yakanyanya kukwira pa150%, index iyi yakakodzera vanotengeserana vanobudirira mumamiriro ekukurumidza uye ane njodzi yakakura. Kunyange zvazvo ichipa mikana yekuwana mari yakawanda, inouyawo nemukana wekurasikirwa kukuru, izvo zvinoda mazano akasimba ekudzora njodzi.




Kuongorora Maitiro Enyu Ekutengeserana uye Mwero Wenyu Wekushivirira Njodzi
Pamunenge muchisarudza Volatility Index, zvakakosha kufunga nezvemaitiro enyu ekutengeserana uye mwero wenyu wekushivirira njodzi:
- Mwero Wekugamuchira Njodzi: Makasununguka here nekushanduka kukuru kwemitengo kamwe kamwe, kana kuti munofarira kushanduka kunofanoonekwa zviri nyore? Mwero wenyu wekugamuchira njodzi uchava nepesvedzero huru pasarudzo yenyu yeindex.
- Ruzivo Rwekutengeserana: Vachangotanga vanogona kuona zvichibatsira kutanga nemaIndices ane volatility yakaderera, akadai seVolatility 10 Index, kuti vajairane nemafambiro emusika. Kune rimwe divi, vanotengeserana vane ruzivo rwakadzama vanogona kutsvaga Volatility 75 kana 100 Indices dzine kushanduka kukuru, vaine chinangwa chekuwana mari yakawanda.
- Mafungiro Ekuronga Mazano: Ongororai kuti inguva yakawanda sei nesimba ramuri kuda kupedzera pakucherechedza nekuongorora kutengeserana kwenyu. MaIndices ane volatility yakakwira anogona kuda kutariswa zvakanyanya uye kukurumidza kuita sarudzo, nepo maIndices ane volatility yakaderera achibvumira maitiro akareruka ekutengeserana.
Mazano Anoshanda Ekutengeserana pamaVolatility Indices
Volatility Index imwe neimwe inoenderana nemazano akasiyana ekutengeserana zvichienderana nemamiriro ayo evolatility, asi heano maitiro mashoma akanaka kune avo vari kuda kutengeserana pamaVolatility Indices:
- Kushandisa maStop Loss Order: Mumisika ine volatility yakakwira yakadai seVolatility 75 kana 100, imaitiro akanaka kushandisa maStop Loss order. Chishandiso ichi chinobatsira kuderedza kurasikirwa kunogona kuitika kuburikidza nekuvhara kutengeserana pachako pakunosvika pamutengo wakatarwa.
- Kutevera Mafambiro Emusika: KumaIndices akadai seVolatility 50 ne100, fungai nezvekushandisa zano rekutevera mafambiro emusika. Izvi zvinosanganisira kuongorora kushanduka kwemusika kuti muone mafambiro awo uye kuita kutengeserana kunoenderana negwara remafambiro iwayo.
- Kupatsanura Kutengeserana: Kupatsanura kutengeserana kwenyu mumaVolatility Indices akawanda kunogona kubatsira kudzora njodzi. Semuenzaniso, kuva nekutengeserana kwakavhurwa muVolatility 10 Index neVolatility 150 Index panguva imwe chete kunokubvumirai kuenzanisa njodzi uku muchishandisa mikana yematanho akasiyana-siyana ekushanduka kwemusika.
Quiz
Volatility inotsanangurwa sei munyaya dzekutengeserana?
Ndechipi chimiro chinoita kuti Volatility 10 Index ikodzere vanotengeserana vakangwarira?
Sei vanotengeserana vachifanira kushandisa mirairo yeStop Loss mumisika inoshanduka-shanduka zvikuru?


